Top Songs By James Chimombe
Credits
PERFORMING ARTISTS
James Chimombe
Vocals
COMPOSITION & LYRICS
James Chimombe
Songwriter
Lyrics
Zvinodiwa namai ngazviitwe, vachiri vapenyu
Vakange vafa vava mutorwa
Zvinodiwa namai ngazviitwe, vachiri vapenyu
Mbereko huru ndeyekwamai
Kuzoona munhu onzi rava jaya kana mhandara
Nhumbu yese iyi ndeyaaamai
Kusungira mbereko nekutsengera mushonga
Mwana akange arwara, nezvakawanda
Zvinodiwa namai ngazviitwe, vachiri vapenyu
Vakange vafa vava mutorwa
Zvinodiwa namai ngazviitwe, vachiri vapenyu
Mbereko huru ndeyekwamai
Hona panorwarira mwana mai vanomhanya mhanya nesango
Gwenzi negwezi vanoriziva nezita raro
Hona panorwarira mwana mai vanomhanya mhanya nesango
Chiremba nachiremba vanomuziva nezita rake
Hazvina mhosva kuti mwana uyu akange ave saimba
Kuna amai, mwana wavo chete
Hazvina mhosva kuti mwana uyu akange ave saimba
Panorwarira mwana wavo ura hwavo hunocheka cheka
Zvinodiwa namai ngazviitwe, vachiri vapenyu
Vakange vafa vava mutorwa
Zvinodiwa namai ngazviitwe, vachiri vapenyu
Mbereko huru ndeyekwamai
Lyrics powered by www.musixmatch.com