Lyrics

Nhai mukwasha dondiwedzeraiwozve mari Amai ini handingambozvikwanisi Imi mune murume wenyu, ini ndine mukadzi wangu Kana murume wenyu akazvinzwa anoti chii nazvo? Achiti chii, anenge audzwa nani? Ndoseka zvangu Handizvikwanisi ini zvekuwedzera vakadzi vevanhu mari ini Rega mhani togara kumayadhi isu tine mari Zvirinani vakubvisei muno musitoro vaise majaya asina vakadzi Motsvinya sitereki imi Zvokumayadhi ndozvadiiko amai? Ndokwenyu nemurume wenyu Zvokumayadhi ndozvadiiko amai? Ndokwenyu nemurume wenyu Imi mune murume wenyu munozviziva Inivo nemukadzi wangu Imi mune murume wenyu munozviziva Inivo nemukadzi wangu Tisiyei takadaro nenhamo dzedu Munodireiko kutikumbira mari? Tisiyei takadaro nenhamo dzedu Munodireiko kutikumbira mari? Chitoro chino hachina chikwereti amai Dei ndati kweretai zvenyu Chitoro chino hachina chikwereti amai Dei ndati kweretai zvenyu Imi chokwadi munondishurira Kuti ndikuwedzerei mari ini Chero mukarega handina basa nazvo ini Chete apa ndandichida kungokukurukaiwo zvangu
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out