Similar Songs
Credits
PERFORMING ARTISTS
Mark Ngwazi
Performer
COMPOSITION & LYRICS
Mark Ngwazi
Songwriter
Lyrics
Baba namai kani musarambane, munotyora kodzero dzedu isu vana
Vana tozoguma torarama senherera, munouziva muraramiro wenherera
Musati marambana kani tangai mafunga, ko vana zvotosiya vari vega
Ndianiko achavachengeta, munouziva muraramiro wenherera
Mombe iya iripo ndiyoka inochengetedzwa ndeyesipo inoenda nesango
Inotozokumbira bere ichiti ndimai, unouziva muraramiro wenherera
Gore riya makanzi namai baba mararepi, mukatiza musha kuenda Sierra Lione
Dai pasina Ebola yakakudzosai, tairarama kunge baba vemusha vakafa
Gore riya makanzi namai baba mararepi, mukatiza musha kuenda South Africa
Dai pasina maelections akakudzosai, tairarama kunge baba vemusha vakafa
Mashinga here amai kutakura mukwende, muchityora kodzero dzedu isu vana
Vana tozoguma torarama senherera, munouziva muraramiro wenherera
Hebert Mutasa Nyikayepambiriro, Taurai Magumbe iiiii Johanis Chidhonoro
Tatenda Mudyauto, Simbarashe Chaka
Amai dzidzaiwo kusheedza baba muchiti daddy, ende muchaona rudo ishasha
Baba dzidzaiwo kuregerera mai vatadza, ende muchaona rudo ishasha
Vakawanda dai vakarambana asi nekuda kwevana inga vachembedzana wani
Vakawanda dai vakarambana asi nekuda kwekuregererana inga vachembedzana
Rudo rwemazuva ano rwakangofanana nekupinda gurupu rewatsapu
Rudo rwemazuva ano rwakangofanana nekupinda gurupu rewatsapu
Apinda nhasi mangwana abuda, apinda nhasi mangwana exit
Unombopindirei mugurupu macho iwe une foni inoda charger yekatsono, ko ikastika
Rudo rwemazuva ano rwakangofanana nekupinda gurupu rewatsapu
Rudo rwemazuva ano rwakangofanana nekupinda gurupu rewatsapu
Apinda nhasi mangwana abuda, apinda nhasi mangwana exit
Unombopindireiko mugurupu macho iwe une foni inoda charger yekatsono, ko ikafreezer
Rudo rwekudaro harudi kudaro, zvinhu zvekudaro hazvidi kudaro
Ngarurege kukurumidza kupera rudo sembiri yezvihuta
Murume anorova mukadzi akafanana neanopinda mubutcher achitenga nyama
Oiwaridza pasi, kutora zidanda otanga kuzvambura muriwo usadaro
Kana uchirova mukadzi wakafanana neanopinda mubutcher achitenga nyama
Oiwaridza pasi, kutora zidanda otanga kuzvambura muriwo usadaro
Dananaiwo(Dananaiwo)
Dananaiwo(Dananaiwo)
Rudo(Dananaiwo)
Rudo ishasha(Rudo ishasha)
Rudo ishasha(Rudo ishasha)
Akasangovhiringidzwa formula(Rudo ishasha)
Akasangowana mbavha yerudo(Rudo ishasha)
Asingaite chitsotsi pawatsapu(Rudo ishasha)
Asingagezi akaruma foni(Rudo ishasha)
Kupesana kwakanaka kana tichifamba vaChiyekete kwete mumatauriro nemumagariro
Kupesana kwakanaka kana tichifamba vaZilalawe kwete mumatauriro nemumagariro
Kupesana kwakanaka kana tichifamva vaMusiyiwa kwete mumatauriro nemumagariro
Kupesana kwakanaka kana tichifamba Boss Kodzawe kwete mumatauriro nemumagariro
Ninety-two GP
Heheheheehee dzimwe nyika dzapindira, Donald Gogo mukwapura waya
Mutunhu una mago Mark Ngwazi size five and half yebhutsu, hande mudhara
Charlette Watanga, Brian Musungwa, Work Darwin
Natie Bee, Loyd Gonye slow but sure, rova
Lyrics powered by www.musixmatch.com